Shona - Second and Third John

Page 1

Johane wechipiri CHITSAUKO 1 1 Mukuru kuna mai vakasanangurwa nevana vavo vandinoda muchokwadi; kwete ini ndoga, asi nevose vakaziva chokwadi; 2 nekuda kwechokwadi, chinogara matiri, chichava nesu nokusingaperi. 3 Nyasha, tsitsi, nerugare zvinobva kuna Mwari Baba nokuna Ishe Jesu Kristu, Mwanakomana waBaba ngazvive nemwi, muchokwadi nerudo. 4 Ndinofara zvikuru kuti ndakawana pavana venyu vachifamba muchokwadi, sezvatakagamuchira murairo kuna Baba. 5 Ikozvino ndinokukumbirisai, amai, kwete sezvivonzi ndinokunyorerai murairo mutsva, asi uyo watakanga tinawo kubva pakutanga, kuti tidanane. 6 Urwu ndirwo rudo, kuti tifambe nemirairo yake. Uyu ndiwo murairo, kuti sezvamakanzwa kubva pakutanga, mufambe mauri. 7 Nekuti vanyepedzeri vazhinji vakapinda munyika, vasingapupuri kuti Jesu Kristu wakauya panyama. Uyu ndiye munyengeri naantikristu. 8 Zvichenjererei imi, kuti tirege kurashikirwa nezvinhu zvatakabatira, asi kuti tipiwe mubairo wakakwana. 9 Umwe neumwe, unodarika, asingarambiri mudzidziso yaKristu, haana Mwari; ani naani anorambira mudzidziso yaKristu ndiye ana Baba noMwanakomana. 10 Kana mumwe akauya kwamuri, asingauyi nedzidziso iyi, musamugamuchira mumba menyu, kana kumukwazisa; 11 Nokuti uyo anomukwazisa anogovana naye pamabasa ake akaipa. 12 Kunyange ndine zvinhu zvizhinji zvekunyora kwamuri, handina kuda kukunyorerai pabepa neingi; asi ndinovimba kuuya kwamuri, tigotaurirana muromo nomuromo, kuti mufaro wedu uzadziswe. 13 Vana vomunin'ina wenyu wakasanangurwa vanokukwazisai. Ameni. Johane wechitatu CHITSAUKO 1 1 Mukuru, kuna Gayo unodikamwa zvikuru, wandinoda ini nechokwadi. 2 Mudiwa, ndinoshuva pamusoro pezvinhu zvose, kuti ubudirire, uve wakasimba, somweya wako uchibudirira. 3 Nekuti ndakafara zvikuru hama padzakasvika dzikapupura chokwadi chiri mauri kunyange uchifamba muchokwadi. 4 Handina mufaro unopfuura kunzwa kuti vana vangu vanofamba muchokwadi. 5 Mudiwa, unoita nokutendeka zvose zvaunoita kuhama nekuvatorwa; 6 vakapupurira rudo rwako pamberi pekereke; 7 Nekuti nekuda kwezita rake vakabuda, vasingatori chinhu kuvahedheni. 8 Naizvozvo isu tinofanira kugamuchira vakadaro, kuti tibatsirane pachokwadi. 9 Ndakanyorera kereke; asi Dhiotirefe, unoda kuva wepamberi pakati pavo, haatigamuchiri. 10 Naizvozvo kana ndichiuya, ndicharangarira mabasa ake aanoita, achitiitira makuhwa namashoko akaipa; uye asingagutsikani naizvozvo, kana iye amene haagamuchiri hama, uye unovadzivisa avo vanoda, nokuvadzinga mukereke. 11 Mudiwa, usatevera chakaipa, asi chakanaka. Uyo, unoita zvakanaka, unobva kuna Mwari; asi unoita zvakaipa, haana kuona Mwari. 12 Dhemetrio unopupurirwa zvakanaka navose, uye nechokwadi pachacho; nesuwo tinopupura; uye munoziva kuti kupupura kwedu ndokwechokwadi. 13 Ndakanga ndine zvinhu zvizhinji zvekunyora, asi handidi kukunyorera neingi nepeni; 14 asi ndinovimba ndichakurumidza kukuona, tigotaurirana chiso nechiso. Rugare kwamuri. Shamwari dzedu dzinokukwazisai. Kwazisai shamwari nemazita.


Turn static files into dynamic content formats.

Create a flipbook
Issuu converts static files into: digital portfolios, online yearbooks, online catalogs, digital photo albums and more. Sign up and create your flipbook.