TSAMBA YA ARCHBISHOP WEHARARE YE LENT 2014 “Remekedza munhu akwegura.” (Revitiko 19:32) Hama dzadiwa muna Kristo, Gore rakapera Lenten Campaign yedu yakatichenjedza nemashoko aJemisi Musande:“Chitendero chisina mabasa chakafa.” Ndinoda kukutendai mose nekudairakwamakaita nemoyochena kushoko iri, randakati titarise naro nherera nevanavanotambudzika, mumamissionnemumamisha medu. Kubva zvandinorangarira, gore rakapera makaita Lenten Campaign yakabudirira chose,mukaunganidza mari inosvika $76,000. Ndakagovera $72,000 kumisha inochengetwavana inokwana gumi nemitatu, ndikapa OldAge Home yemaMissionaries of Charity$2,000, ndikaendesawo $2,000 kuCaritas'Phillipines Disaster Fund. MuLentenCampaign iyi makaratidza kuzvipira kwenyu nekutsigira chitendero chenyunemabasa akanaka. Nokudaro ndinokutendai chaizvo. Gore rino, ndakaziviswa nezvekuoma kwemagarire nehupenyuhwevakwegura. Ndinozvionawo pachangu pandinoshanyira dzimhuri nemaparish. Saka, ndakafunga nekunamatazvikuru pamusoro penyaya iyi. Nekudaro, ndinoda kuti gore rinotimbonyatsotarisise dambudziko revakwegura, vanova chipo kwatiri, uye vatiinebasa rekuriritira.
TSAMBA YA ARCHBISHOP WEHARARE YE LENT 2014 “Remekedza munhu akwegura.� (Revitiko 19:32) Muno muZimbabwe, vanhu vane makore 60zvichikwira vanosvitsa 5.3% yevanhu vose vari munyika. Huwandu hwevanhu vavevakuru huri kuramba huchikwira, uyewo huwandu hwevechidiki huri kuitahuchiderera. Ongororo yakaitwa muna 1999 yakaratidza kuti vazhinji vevanhu vavevechikuru vanowawo nehurema hwakasiyanasiyana hwakati wandei. Pavanhu 218 421vanorarama nehurema, 25% wavo vanhu vave nemakore 60 zvichikwira. 75% yevanhuvakaremara vanogara mumaruwa mune hurombo hwakanyanya. Igaroziva kuti chirwere cheHIV/Aids chinokanganisawo vanhu vatikurei muno muZimbabwe. Kunyangwe hazvorufu rweHIV/Aids rwakanyanya mumazeraari pakati pemakore 29 ne 49, vanhu vave vechikuru vanosangana nedambudzikoguru rekuchengeta nekupepa varwere, vanowanzoguma vave kuchengetwa nevaberekivavo. Panozofa munhu neAIDS, anenge aparadzapfuma yake mukurapwa, achisiya vabereki vake vakwegura, vave nehurombohwakanyanya. Vakweguru vakarewo ndivo vanotarisana nemutoro wekusaravachichengeta nherera. Vanhu vave vechikuru pachavo havana kunzvengwawo nedendareHIV/Aids, vanobatwawo nechirwere,uye vanotakura mutoro wekurwarirwa. Vanhu vave vechikuru vanorarama nemarwadzomakuru ekuva ndivo vanoviga vana avo, vavaitarisira kuzovigwa navo.
TSAMBA YA ARCHBISHOP WEHARARE YE LENT 2014 “Remekedza munhu akwegura.� (Revitiko 19:32) Mamirire emhuri muno muZimbabwe ashandukamumakore apfuura nekuda kwekugara nekushanda mumadhorobha nekutamira kunedzimwe nyika kwavako mazuvaano. Mhuri yataiziva kare, yaiva nemikana yakawandayekuchengeteka kwevakwegura, iri kuramba ichiparara. Tave kujairira mhuri diki,inova isina mikana mizhinji yekuchengetedzeka kwevakwegura. Izvi zvinonyanyakubata vanhu vave vechikuru, vari kusiyiwa vari vega kuti vazvichengetemumamisha, sezvo vechidiki vave kugara kumadhorobha nekunze kwenyika. Pamusanapekushanduka zvakadai kwemagarire nemamirire emhuri, vanhu vechikuru vazhinji varikusara vachigara vega muhurombo uye vasina rutsigiro. Izvi zvaita kuti vanhuvechikuru vazhinji vamanikidzwe kurarama muhushayi semarombe. Dambudziko revakwegura iguru kudarikazvatinoona tichiongorora kuverengwa kwevanhu munyika. Idambudziko rinobatazvemagariro edu munyika, zvehupfumi nebudiriro, zvetsika nehunhu, zverudekarorwepfungwa nemweya yedu. Izvi zvinondishungurudza semufudzi. Saka ndirikudakuti, muLent yegore rino, tifungisise nezveraramo yevakwegura varikutamburapakati pedu, tigobuda nenzira chaidzo dzekuvabatsira.
TSAMBA YA ARCHBISHOP WEHARARE YE LENT 2014 “Remekedza munhu akwegura.” (Revitiko 19:32)
Mutsamba yavo yeLent, Papa Francis vanoti kwatiri: “Isu vaKristo tinodanwa kuti tirwisanenehurombo hwehama dzedu, tihubate, tihuite hwedu, titore matanho chaiwoekuhupedza.” Mubvunzo wandinoda kuti tizvibvunzewo isu muLent muno ndeuyu: “Varombo vari kunzi naPapa tibatane navomuhurombo hwavo ndevapi?” Chokwadi, kune vanhu vazhinji varombo uye vanoshaya,vanodawo rubatsiro rwedu, asi nguva ino ndinoda kutsaura vakwegura varimuhushayi kuti tinangane naivavo. Hachisi chinhu chitsva kuti Kirike rizvipirekuongorora dambudziko revakwegura. Kirike rakagara richiriritira vanhuvakwegura mumakore mazana nemazana ose apfuura. Rudo rwevaKristo rwakagararuchiratidzwa kune vakwegura zvinoonekwa mumabasa eKirike akasiyanasiyana,kuburikidza nezvita zvevapikiri nemapato evatenderi. Ndinoda kuti isu, munomuArchdiocese, tive nehanya dzakadai mumoyo medu, uye kuti mabasa edu oseatinoita muzita reKirike aratidze kuti tinoziva uye tine basa nenhamodzinotarisana nevakwegura.
TSAMBA YA ARCHBISHOP WEHARARE YE LENT 2014 “Remekedza munhu akwegura.” (Revitiko 19:32)
Mwari anotirayira achiti: “Ucharemekedzamunhu akwegura.” (Revitiko 19:32). Ndosaka Kirike risingangotarisi nyayayevanhu vakwegura seinongoda rubatsiro nemoyochena. Asi, Kirike rakagararakasimbisisa kukosha kwekuziva nekuchichirira ugo nekukosha kwemunhu wezerariri rose. Kirike rinoramba richiyeuchidza munhu wese kukosha kwekuchengetedzahupfumi hwenyama nehwemweya, ruzivo nehuchenjeri zvinounganidzwa mukatimehupenyu hwese, kuti zvisapambadzwe. Izvi zvinotisungira kuti tiremekedzenekukoshesa munhu wose akwegura. Gore roga roga, Lent inotipa mukana wekuti timbomire tichinyatsofungisisa,titendeukire kunaMwari mukunamata, kuzvinyima nemukubatsira vanoshaya.Tichitevera tsoka dzaMambo wedu Yesu Kristo akatsanya kwemazuva makumi mana,tinofamba pamwe chete naye, uye pamwechete nehama dzedu. Gore rino ngatifambeipamwechete naYesu uye pamwechete nevakwegura vari muhushayi, hama dzedu varombovasina mubatsiri. Ngatirangarirei kuti chipi nechipi zvacho chatichaitiravakweguru vashayi vari pakati pedu, ndiYesu pachake mumarwadzo nematambudzikoake, watinenge tichiitira izvozvo.
TSAMBA YA ARCHBISHOP WEHARARE YE LENT 2014 “Remekedza munhu akwegura.� (Revitiko 19:32)
Mwari anotitaurira kuti kutsanyakunomufadza ndekwekugoverana chekudya chedu neuyo ane nzara, kupinza mumba medumurombo asina musha, kufukidza asina chekupfeka, uye kusafuratira ane nyamasesu. (Isaiah 58:7). Dambudzikorevakweguru vari muhushayi harisi kurekure nesu; tinavo mumhuri medunemumaparish medu. Ngatitsanyei takanangana nevakweguru vanoshaya vari pakatipedu muLent ino. Kusesekedza vakwegura, kuswedera padyo navonekushamwaridzana navo, ibasa guru redu tose. Ngatitangei muLent ino kushanda kuti tishanduremafungiro edu pamusoro pevakwegura uye kuti tivadzosere pakare panzvimboyavanokodzera mumhuri dzedu nemuKirike medu. Ndinoti muve nenguva yeLent yakaisvokomborerwa, muzovewo nemufaro mukuru paEaster.
TSAMBA YA ARCHBISHOP WEHARARE YE LENT 2014 “Remekedza munhu akwegura.” (Revitiko 19:32) Wenyu muna Kristo, + Robert C. Ndlovu. Archbishop of Harare.