Zefaniya
CHITSAUKO 1
1 Shoko raJehovha, rakasvika kuna Zefaniya, mwanakomana waKushi, mwanakomana waGedharia, mwanakomana waAmaria, mwanakomana waHezekiya, namazuva aJosiya, mwanakomanawaAmoni,mambowaJudha.
2 Ndichaparadza chose zvinhu zvose zviri panyika ndizvozvinotauraJehovha.
3 Ndichaparadza vanhu nezvipfuwo; ndichaparadza shiri dzokudenga, nehove dzegungwa, nezvigumbuso pamwechete navakaipa; ndichabvisa vanhupanyikandizvozvinotauraJehovha.
4NdichatambanudziraworuokorwangukunaJudha, nokuna vose vagere Jerusaremu; ndichabvisa vakasara vaBhaari panzvimbo ino, nezita ravaKemarimipamwechetenavapristi;
5 Naivo vanonamatahondo dzokudengapamatenga edzimba; nevanonamata, vanopika naJehovha, nevanopikanaMarikami;
6 navanodzoka kuna Jehovha; navasina kutsvaka Jehovha,kanakumubvunza.
7 Nyararai pamberi paIshe Jehovha, nekuti zuva raJehovha rava pedo; nekuti Jehovha wagadzira chibayiro,wakadanavakakokwavake.
8 Zvino nezuva rechibayiro chaJehovha ndicharova machinda, navana vamambo, navose vakafuka nguvodzokumwe.
9 Nezuva iro ndicharova vose vanonyenyeredza chikumbaridzo, vanozadza dzimba dzatenzi wavo nechisimbanounyengeri.
10 Zvino nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha kuchanzwika inzwi rokuchema richibva pasuwo rehove, nokuchema kunobva kurutivi rwechipiri, nokukoromokakukurukunobvakuzvikomo.
11 Chemai, imwi mugere Makteshi, nekuti vanhu vose vanotengesa vaparadzwa; vose vatakuri vesirivhavaparadzwa.
12 Zvino nenguva iyo ndichanzvera Jerusaremu namamwenje, nokurova varume vagere pamasese avo, vanoti mumoyo mavo, Jehovha haangaiti zvakanaka,kanakuitazvakaipa.
13 fuma yavo ichapambwa, nedzimba dzavo matongo; vachavaka dzimba, asi havangagarimo; vachasima minda yemizambiringa, asihavangamwi wainiyayo.
14 Zuva guru raJehovha rava pedo, rava pedo, rinokurumidzakwazvo,iro inzwirezuvaraJehovha; mhareichachemapozvinorwadza.
15 Zuva iroro izuva rehasha, zuva rekutambudzika nerokumanikidzwa, zuva rematongo
nerokuparadzwa, zuva rerima nerokusuwa, zuva ramakorenerimaguru.
16 Zuva rehwamanda neremhere pamusoro pamaguta akakombwa namasvingo, napamusoro peshongwedzakakwirira.
17 Ndichauyisira vanhu kumanikidzwa, kuti vafambe samapofu, nekuti vakatadzira Jehovha; ropa ravo richadururwa seguruva, nenyama yavo sendove.
18 Sirivha yavo nendarama yavo hazvingagoni kuvarwira nezuva rokutsamwa kwaJehovha; asi nyikayoseichapedzwanomotowegodorake;nekuti achaparadzanokukurumidzavosevagerepanyika.
CHITSAUKO 2
1 Unganai, zvirokwazvo unganai, imwi rudzi rusingadiwi;
2 Chirevo chisati chabereka, zuva risati rapfuura sehundi, kutsamwa kukuru kwaJehovha kusati kwauya pamusoro penyu, zuva rokutsamwa kwaJehovharisatirauyapamusoropenyu.
3TsvakaiJehovha,imwimosevanyorovenyika,imi makachengeta mitemo yake; tsvakai kururama, tsvakai unyoro; zvimwe mungavandika nezuva rokutsamwakwaJehovha.
4 nekuti Gaza richasiiwa, Ashikeroni richaitwa dongo; vachadzinga Ashidhodhi masikati makuru, Ekironirichadzurwa.
5 Vane nhamo vagere panyika iri pagungwa, irwo rudzi rwavaKereti! shoko raJehovha rinokurwisa; Iwe Kanani, nyika yevaFiristia, ndichakuparadza, kutiparegekuzovaanogaramo.
6 Mhenderekedzo yegungwa ichava mafuro nemapakoavafudzinezviruguzvamakwai.
7 Muganhu uchava wavakasara veimba yaJudha; vachafurapo, vachavata pasi mudzimba dzeAshikeroni madekwana, nekuti Jehovha Mwari wavoachavashanyira,nokudzosakutapwakwavo.
8 Ndakanzwa kuzvidzwa kwaMoabhu, nokutuka kwavana vaAmoni, kwavakazvidza nako vanhu vangu,vachiitamanyawipamuganhuwavo.
9 Naizvozvo noupenyu hwangu, anoreva Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri, “Zvirokwazvo Moabhi vachava seSodhoma, uye vanakomana vaAmoni seGomora, kuberekwa kworukato nemakomba emunyu,nedongorisingaperi;vanhuvachazvipamba, uyevakasaravavanhuvanguvachavavavo.
10 Ndizvo zvavachapiwa nokuda kokuzvikudza kwavo, nekuti vakazvidza vanhu vaJehovha wehondonokuzvikudzakwavari.
11Jehovhaachavatyisakwazvo,nekutiachaparadza vamwari vose venyika; vanhu vachamunamata, mumwe nomumwe aripanzvimbo yake, izvo zviwi zvosezvavahedheni.
12 Nemiwo vaItiopia, muchaurawa nomunondo wangu.
13 Achatambanudzira ruoko rwake kurutivi rwokumusoro, ndokuparadza Asiria; Ninivhe achariitadongo,riomeserenje.
14 Zvipfuwo zvichavata pasi mukati maro, idzo mhuka dzamarudzi ose; inzwi ravo richarira pamahwindo; richava dongo pazvikumbaridzo, nekutiwakafukunurazvakavezwazvemisidhari.
15Irindirogutaraigaranomufarorisinahanya,raiti mumwoyo maro, Ndini, hakuchino mumwe kunze kwangu!Haiwa, raitwadongo sei, nzvimbo inovata mhuka! mumwe nomumwe unopfuura napo ucharidzamuridzo,nokudzungudzaruokorwake.
CHITSAUKO 3
1 Rine nhamo iro guta rine tsvina, rakasvibiswa, rinomanikidza!
2 Harina kuteerera inzwi; harina kugamuchira kurangwa; harina kuvimba naJehovha; harina kuswederakunaMwariwaro.
3 Machinda aro mukati maro ishumba dzinoomba; vatongivaro mapereamadekwana;havanakutsenga mapfupakusvikiramangwana.
4 Vaporofita varo vanhu vakareruka vanonyengera; vapristi varo vakamhura nzvimbo tsvene, vakaitira murayirosimba.
5 Jehovha ari mukati maro akarurama; haangaiti zvakaipa; mangwanani oga oga unobudisa pachena kururamisa kwake, haangakundi; asi vasakarurama haazivikunyara.
6 Ndakaparadza ndudzi, shongwe dzavo ava matongo;nziradzavodzomumishandakadziparadza, kukasava nomunhu unopfuura napo; maguta avo akaparadzwa,hakunamunhu,hakunaanogaramo.
7 Ndakati, Zvirokwazvo uchanditya; tenda kurangwa; kuti ugaro hwavo hurege kuparadzwa, sezvandakavaranga; asi vakafumira mangwanani, vakasvibisazvosezvavakaita.
8 Naizvozvo ndimirirei, anoreva Jehovha, kusvika zuva randichasimuka kuzopamba; : nokuti nyika yoseichapedzwanomotowegodorangu.
9 nekuti nenguva iyo ndichavigira vanhu rurimi rwakachena, kuti vose vadane zita raJehovha, vamushumirenomwoyomumwe.
10 Vanamati vangu, iye mukunda wavanhu vangu vakaparadzirwa, vachandivigira chipiriso changu vachibvamhirikwenzizidzeItiopia.
11Nezuvairohaunganyadziswipamusoropemabasa ako ose, awakandidarikira nawo; nokuti ipapo ndichabvisa pakati pako vanofarira kuzvikudza kwako; haungazozvikudzizve nokuda kwangu. gomodzvene.
12 Ndichasiya pakati pako vanhu vanotambudzika navarombo;ivovachavimbanezitaraJehovha.
13 Vakasara vaIsiraeri havangaiti zvakaipa, kana kureva nhema; rurimi runonyengera harungawanikwimumiromo yavo;nekutivachafura nokuvatapasi,hakunaangavatyisa.
14 Imba, iwe mukunda weZiyoni; pururudza, iwe Isiraeri;faraufarisisenomwoyowose,iwemukunda weJerusarema.
15 Jehovha abvisa zvawakatongerwa, wakadzinga muvengi wako; mambo waIsiraeri, iye Jehovha, ari pakatipako;haungazoonizvezvakaipa.
16 Nezuva iro vachati kuJerusaremu, Usatya hako iwe; iwe Ziyoni, maoko ako ngaarege kushaiwa simba.
17 Jehovha Mwari wako, ari mukati mako, ane simba; iye achaponesa, achakufarira nomufaro; achazororamurudorwake,achakufariranokuimba.
18 Ndichaunganidza vanochemera ungano yakatarwa, ivo vaibva kwamuri, vairemerwa nokuzvidzwakwayo.
19 Tarirai, nenguva iyo ndichaparadza vose vanokumanikidza; ndichaponesa anokamhina, nokuunganidza vakadzingwa; ndichavawanira kurumbidzwa nomukurumbira munyika dzose dzavakanyadziswanadzo.
20 Nenguva iyo ndichakudzosai, nenguva yandichakuunganidzai, nekuti ndichakuitirai zita nembiri pakati pendudzi dzose dzenyika kana ndichidzosa kutapwa kwenyu, imwi muchizviona ndizvozvinotauraJehovha.